Deuteronomy 6

Ida Jehovha Mwari wako

1Iyi ndiyo mitemo, nemirayiro zvandakarayirwa naJehovha Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei kuti muzviite munyika yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu, 2kuitira kuti iwe, navana vako navana vavo vachavatevera mutye Jehovha Mwari wenyu pakurarama kwenyu nokuchengeta mitemo nemirayiro yake yose yandinokupai, uye kuitira kuti muve namazuva mazhinji okurarama. 3Chinzwa, iwe Israeri, uchenjere kuti uzviite kuitira kuti zvikunakire uye kuti muwande kwazvo munyika inoyerera mukaka nouchi, sezvamakavimbiswa naJehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu.

4Chinzwa iwe Israeri: Jehovha Mwari wedu, ndiJehovha mumwe chete. 5Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uye nesimba rako rose. 6Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. 7Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka. 8Isungirirei pamaoko enyu sechiratidzo mugoisungira pahuma dzenyu. 9Muinyore pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu.

10Zvino kana Jehovha Mwari wenyu achinge akupinzai munyika yaakapikira kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho, kuti achakupai, nyika ina maguta makuru akanaka, amusina kuvaka imi, 11dzimba dzizere nezvinhu zvakanaka zvamarudzi ose zvamusina kutsvaka imi, matsime amusina kuchera, minda yemizambiringa namasango nemiti yemiorivhi yamusina kusima, zvino kana muchinge madya uye mukaguta, 12muchenjerere kuti murege kukanganwa Jehovha, akakubudisai kubva muIjipiti, kubva munyika youranda.

13Itya Jehovha Mwari wako, ushumire iye oga ugoita mhiko dzako muzita rake. 14Musatevera vamwe vamwari, vamwari vendudzi dzakakupoteredzai; 15nokuti Jehovha Mwari wenyu ari pakati penyu ndiMwari ane godo uye hasha dzake dzichapisa pamusoro penyu, uye achakuparadzai kubva pamusoro penyika. 16Musaedza Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita paMasa. 17Chenjererai kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu nezvaakatema nemitemo yaakakupai. 18Itai zvakarurama nezvakanaka pamberi paJehovha, kuitira kuti zvigokunakirai, mugopinda mugotora nyika yakanaka iyo Jehovha akavimbisa nemhiko kumadzitateguru enyu, 19agoparadza vavengi venyu vose pamberi penyu, sezvakataurwa naJehovha.

20Panguva inotevera, kana mwanakomana wako akakubvunza achiti, “Ko, zvakatemwa izvi, mitemo nemirayiro yamakarayirwa naJehovha Mwari wedu zvinorevei?” 21Umuudze kuti, “Takanga tiri varanda vaFaro muIjipiti, asi Jehovha akatibudisa muIjipiti noruoko rune simba. 22Jehovha akatumira pamberi pedu zviratidzo nezvishamiso zvinotyisa pamusoro peIjipiti naFaro neimba yake yose. 23Asi akatibudisamo kuti atipinze nokutipa nyika yaakavimbisa nemhiko kumadzibaba edu. 24Jehovha akatirayira kuti titeerere mitemo iyi yose nokutya Jehovha Mwari wedu, kuitira kuti tibudirire nguva dzose nokurarama sezvatakaita nhasi. 25Uye kana tichichenjerera kuteerera murayiro uyu wose pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvaakatirayira, ndiko kuchava kururama kwedu.”

Copyright information for SnaBDSC